Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 64 Kristu wamuka nhasi! Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 64 Kristu wamuka nhasi! Lyrics

 

Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo!
Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo!
Ngavafare vanhu vose.
Ngavaimbe pamwe chete,
Farai wamuka! Farai wamuka!
Hareruya! Hareruya! Hareruya! Amen.

Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo!
Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo!
Basa guru rakapera,
Mharadzi yakaparadzwa,
Rufu rwazokundwa, rufu rwazokundwa.
Hareruya! Hareruya! Hareruya! Amen.

Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo!
Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo!
Watakura kuipa kwedu,
Tose tinowana tsitsi.
Hozana kwaari! Hozana kwaari!
Hareruya! Hareruya! Hareruya! Amen.

Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo!
Kristu wamuka nhasi! wamuka kwazvo!
Ngavaimbe vanhu vose,
Ngavaimbe norufaro,
Nziyo dzakanaka, nziyo dzakanaka,
Hareruya! Hareruya! Hareruya! Amen.

 

Exit mobile version