Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 61 Kristu Tenzi wakamuka Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 61 Kristu Tenzi wakamuka Lyrics

 

Kristu Tenzi wakamuka,
Hareruya,
Ingirozi dzinoimba,
Hareruya
Vanhu vapindurawo,
Hareruya,
Imbai denga, nenyika,
Hareruya.

Wakapedza basa rake,
Warwa hondo, akakunda,
Watikundira rufu,
Wabuda muguva rake.

Mambo wedu mupenyuzve,
Kufa hakuchine simba,
Wafa kutiponisa,
Guva harichakurira.

Tinotapatira naye
Kutevera Mambo wedu,
Izvi zvose ndezvedu,
Muchinjikwa, guva, denga.

Mambo wokubwinya kose!
Upenyu husingapere
Kukuzivai imi
Namasimba orumuko.

 

Exit mobile version