Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 60 Ndakayeva Muchinjikwa Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 60 Ndakayeva Muchinjikwa Lyrics

 

Ndakayeva Muchinjikwa,
Paakaroverwa Ishe,
Ndinobva ndamhura zvose,
Nako kuzvikudza kwangu.

Ramba Mwari, ndisadade,
Asi nako kufa kwake,
Zvose zvinhu zvave nhando,
Ndazvipa kuropa rake.

Honai maoko, tsoka,
Mobva rudo nokurwadza,
Zvisati zvakamboonwa,
Kunyange ngundu yeminzwa.

Dai zvose zviri zvangu,
Hazvikwane diramhamba,
Kufana norudo rwake,
Rwoda zvouzima hwangu.

Tarisazve nziyo idzi: 108, 240

 

Exit mobile version