Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 53 Uyai mose ticheme Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 53 Uyai mose ticheme Lyrics

 

Uyai mose ticheme,
Tisedere kuM’chinjikwa;
Ngatisangane ticheme:
Jesu, Ishe, waroverwa.

Hatimuchemere here
Vanhu vachimutsvinyira?
Tarisai, waturikwa:
Jesu, Ishe, waroverwa.

Zvanza netsoka zvasungwa,
Miromo yake yaoma;
Wakaona rudzerere:
Jesu, Ishe, waroverwa.

Wakataura kanomwe
Mazwi orudo netsitsi
Kuti tigoregererwa:
Jesu, Ishe, waroverwa.

Tsime rorutivi rwake
Rinoshambidza zvitadzo:
Ngatimire noM’chinjikwa:
Jesu, Ishe, waroverwa.

Vanokumbira vopiwa
Mwoyo wakapfava chose;
Mwoyo ungakure rudo:
Jesu, Ishe waroverwa.

Kuipa, norudo rwaShe
Zvino zviri kurwisana;
Asi rudo runokunda:
Nokuti She, waroverwa.

 

Exit mobile version