Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 50 Chiriko chikomo kure Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 50 Chiriko chikomo kure Lyrics

 

Chiriko chikomo kure
Kunze kwoyo musha,
Paakaroverwa Ishe,
Paakatifira.

Hatizive isu vanhu
Kurwadza kwakadii;
Wakarembedzwa pamuti
Nokutadza kwedu.

Zvino takaregererwa
Nako kufa kwake,
Kuti tiende kudenga,
Taponiswa naye.

Pakanga pasina mumwe
Wokutinunura;
Ndiye wakava nesimba
Kutipinza denga.

Jesu wakatida isu,
Ngatimudisewo,
Tivimbe neropa rake,
Tichimushandira.

 

Exit mobile version