Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 5 Ngatimukudze Mwari Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 5 Ngatimukudze Mwari Lyrics

 

Ngatimukudze Mwari
Nemwoyo inofara:

**CHORUS**
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.

Anoraira zuva
Rivhenekere nyika

Zvinhu zvose zvipenyu
Zvinochengetwa naye:

Anotikwanisawo
Anoda kukumbirwa:

Kana tiri panhamo
Tinosimbiswa naye:

Mwana wake wakafa
Kuti tive vapenyu:

Ngatimukudze Mwari
Nemwoyo inofara:

Tsitsi dzake dziripo
Dzisingapere idzo.
Tsitsi dzake dziripo
Dzisingapere idzo.

 

Exit mobile version