Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 46 Vakafara vano urombo Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 46 Vakafara vano urombo Lyrics

 

Vakafara vano urombo
Vachawana ushe hwedenga,
Kunzi ndohwavo.

Vakafara vanozvichema,
Vachawana chivaraidze,
Mweya wedenga.

Vakafara vanyoronyoro,
Vachawana zvikurukuru,
Nhaka yedenga.

Vochemera zvokururama,
Vachagutswa zvikurukuru
Nokururama.

Vakafara vazere nyasha.
Vachapiwa nyasha dzedenga,
Dzavanotsvaka.

Vano mwoyo wakacheneka,
Vachafara kuona Mwari,
Wavanotsvaka.

Vanoshinga kutsvaka Mwari,
Vachapiwa Mweya wokuva,
Vana vedenga.

Ivavo vokuyananisa,
Vachazonzi vana vaMwari,
Vana vedenga.

Vakafara vatambudziki,
Pam’sana pokururama,
Ushe ndohwavo.

Faraika vari munyatwa,
Muchatuswa zvikurukuru,
Tuso ndiJesu.

 

Exit mobile version