Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 44 Ndiani pane zamba Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 44 Ndiani pane zamba Lyrics

 

Ndiani pane zamba
Vafudzi vopfugama?

**CHORUS**
Ndiye Jesu! zvoshamisa!
Ndiye Mambo wokubwinya!
Topfugama kwaari,
Mutunhidze ndiMwari.

Ndiani ane nzara
Pasango ari oga?

Ndiani wodzidzisa
Dama rakanakisa?

Ndiani anorapa
Vose vanorwadziwa?

Ndiani anochema
Paguva raRazaro?

Ndiani wokwaziswa
Nedzimbo nokufara?

Ndiani woteura
Pausiku mumuda?

Ndiani pam’chinjikwa
Woregerera mhandu?

Ndiani anomuka
Kutinunura isu?

Ndiani anotonga
Nengoni nokubwinya?

 

Exit mobile version