Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 43 Tinouya madzimambo Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 43 Tinouya madzimambo Lyrics

 

Tinouya madzimambo,
Touya nezvipo zvedu;
Tabva kumasowi, tichitevera nyenyedzi.

**CHORUS**
O! Nyenyedzi yousiku
Inopenyera Mambo;
Titungamire tione mwenje wakanakisa.

Wakazvarwa Mambo wedu,
Ndinomupa ngundu yake;
Mambo wedu nguva dzose anozotitonga.

Ndinopa zvinonhuhwira
Chiratidzo choumambo
Vanhu vose murumbidze Ishe wokudenga.

Mura yangu inoreva
Noupenyu hwokusuwa;
Kurwadza, nyatwa, kufa nokuvigwa muguva.

Honaika, wakamuka,
Mambo, Mwari, Muponisi,
Rumbidzai vanhu vose, pamwe nengirozi.

Tarisazve nziyo idzi: 15, 267, 268

 

Exit mobile version