Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 40 MaKristu ngatirumbidzei Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 40 MaKristu ngatirumbidzei Lyrics

 

MaKristu ngatirumbidzei
Nemwoyo namazwi edu,
Tererai kwatiri,
A! A!
Jesu Kristu wazvarwa,
Mombe dzinomukudza
Arere mudanga zvino;
Kristu wazvarwa,
Kristu wazvarwa.

MaKristu ngatirumbidzei
Nemwoyo namazwi edu,
Rufaro harugume,
A! A!
Jesu Kristu wazvarwa,
Tazarurirwa denga,
Takomborerwa zvikuru;
Kristu wazvarwa,
Kristu wazvarwa.

MaKristu ngatirumbidzei
Nemwoyo namazwi edu,
Hatichazotya kufa,
A! A!
Jesu Kristu wazvarwa,
Anokudaidzai
Kuti mupinde kwaari;
Kristu wazvarwa,
Kristu wazvarwa.

 

Exit mobile version