Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 4 Kudza Jehovha Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 4 Kudza Jehovha Lyrics

 

Kudza Jehovha, Mwari ane simba,
Anofarisa mwoyo yavanhu;
Anosimbisa vakati rukutu,
Anovaponisa vakatadza.

Kudza Jehovha, Ishe ane ngoni,
Wakatiitira tsitsi dzake,
Wakaregerera kuipa kwedu,
Wakatitumidza vana vake.

Kudza Jehovha wakatifadzisa,
Zvose zvipo zvake zvakanaka;
Tinozorora pamaoko ake,
Tino rufaro norunyararo.

Kudza Jehovha, Mwari Ishe wedu
Wakatipa Kristu mwana wake
Kudza Jesu, wakatifira isu,
NaMweya Mutsvene, ngaakudzwe

 

Exit mobile version