Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 39 Tarirai kubetrehem Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 39 Tarirai kubetrehem Lyrics

 

Tarirai kubetrehem,
Musha waDhavhidhi
Pam’soro perima rawo
Nyenyedzi dzopenya;
Pa’ri urimo Mwenje
Unopenya kwazvo
Vanhu vose vamakore
Vanofadzwa nawo.

Imi nyenyedzi dzose.
Paridzai shoko,
Rumbidzai kuna Mwari,
Fadzisai vanhu;
Nokuti wakazvarwa
Mwana waMaria,
Imbai imi ngirozi
Norudo rukuru.

Wauya chinyararire
Chipo chakakomba
Zvinouya nokudaro
Zvipo zvokudenga;
Hapana anomunzwa.
Asi vanomuda
Nemwoyo yakapfavisa
Vachamugam’chira.

Mwana M’tsvene webetrehem
Burukirai isu,
Tandanisai kuipa,
Muzvarwe matiri;
Ngirozi dzinoimba
Nyaya dzakanaka;
Pindai zvino, garai nesu,
Ishe Manueri.

 

Exit mobile version