Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 35 Vafudzi vebetrehem Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 35 Vafudzi vebetrehem Lyrics

 

Vafudzi vebetrehem
Vaigara musango,
Vakaona ngirozi
Yakauya ichiti:
Musatye! Ndauya norufaro
Rwavanhu vose!
Mazvarirwa Muponisi,
Zita rake ndiye Jesu;
Endai mumuone
Muimba yezvipfuwo.

Kwakauya vazhinji
Veboka rokudenga,
Namazwi erumbidzo
Voimba pamwe chete;
Tererai mazwi avatumwa
Vanorumbidza:
Ngaarumbidzwe kumsoro,
Mwari mambo wokudenga,
Rugare panyika
Pane vaanofarira.

Nhasi tinonyeverwa
Ayo mazwi ekare;
Ngirozi hatione
Asi tine chokwadi
Wazvarwa mumwoyo yedu,
Mwana waMwari,
Tinorumbidza norudo
Kristu Ishe Muponisi,
Rugare panyika
Nokusingapere.

 

Exit mobile version