Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 34 Pausiku hwoutsvene Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 34 Pausiku hwoutsvene Lyrics

 

Pausiku hwoutsvene
Kune nyika iri kure,
Yakapenya nyenyedzi yaTenzi,
Chioneso chaMwari wediko,
Iye Tenzi wazvarwa,
Iye wazvarwa Mesiya.

Baba wakashama
Mai vake vakafara,
Mwana wavo M’ponisi wavanhu,
Wakakudzwa zvikuru naMwari,
Pasi pose chifarai!
Mwari wazotishanyira.

Mune danga radzo mombe,
Wazozvarwa mwana mutsva,
Ndiye mwana waMwari mupenyu
Ndiye rudo rwababa kunesu,
Ndiye mudi wavanhu,
Nomudikanwa wavose

 

Exit mobile version