Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 310 Nevatsvene avo vazorora Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 310 Nevatsvene avo vazorora Lyrics

 

Nevatsvene avo vazorora
Vakarumbidza namabasa
Zita raJesu kusingapere
Ha-areruya! Ha-reruya!

Ndimi dombo, bako, namasimba
Mbirimi yavo muhondo huru
Murima guru imi mwenje wavo
Ha-areruya! Ha-reruya!

Varwi venyu, vakarwa nesimba
Savo varwi vazorora nemi
Vawanewo ngundu yavo vakundi
Ha-areruya! Ha-reruya!

Ruwadzano rwakaropafadzwa
Toshinga vatsvene vachibwinya
Vose pamwe vose ndevenyu
Ha-areruya! Ha-reruya!

Kana kurwa kwaremesa kwazvo
Tonzwa kure nziyo dzokukunda
Mwoyo yosimba kwazvo
Ha-areruya! Ha-reruya!

Runako rwekudoka kwezuva
Kuzorora kwevari vakundi
Nerunyararo muParadhisi
Ha-areruya! Ha-reruya!

Kozosvika kubwinya kwezuva
Vakundi nenguwo dzinobwinya
Mbiri kuna baba, Mwana Mweya
Ha-areruya! Ha-reruya!

Nyika Yose pamwe nemakungwa
Nzizi nezvisikwa zvorumbidza
Mbiri kuna Mwari, vatatu’mwe
Ha-areruya! Ha-reruya!

 

Exit mobile version