Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 31 Rumbidzai vanhu mose! Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 31 Rumbidzai vanhu mose! Lyrics

 

Rumbidzai vanhu mose!
Zvirumbidze, zvinhu zvose!
Nhasi musi wokukudza.
Nhasi musi worufaro.

Mununuri watozvarwa,
Ngoni dzake dzaratidzwa,
Nhasi nguva yakodzera
Izuva roruponiso.

Haana ku’ya nehasha
Wakativinga netsitsi,
Wakauya kutifira,
Fambisai idzi nhau.

Jesu anoti kwatiri:
Dzidzisai ndudzi dzose,
Dziuye dzose kwandiri,
Ndinemi mazuva ose.

 

Exit mobile version