Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 304 Tinokutendai baba Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 304 Tinokutendai baba Lyrics

 

Tinokutendai baba
Nemvura yamunotipa
Inokudza mbeu dzedu,
Tinokohwa nokufara.

Panguva yomunhuruka
Tinorima minda yedu,
Tichidyara mbeu dzose
Dzinochengwa nemi baba.

Dakara nguva isvike
zvose zvaibva muminda,
Tigokohwa zvakawanda
Mapfunde, zvose nezviyo.

Tinokuomberai baba
Norudo rwenyu rukuru
Ruripo rini narini
Kumazuva namakore.

Uyai vanhu tiimbe
Rwiyo rwokukudza baba
Titende zvipo zvikuru
zvatakakohwa muminda.

 

Exit mobile version