Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 303 Hongu Mwari wakanaka Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 303 Hongu Mwari wakanaka Lyrics

 

Hongu, Mwari wakanaka;
Panyika napamakungwa
Kuna mazwi anorira
Kuti Mwari wakanaka.

Nero zuva rovheneka
Rofuka pasi nechedza,
Nenyenyedzi dzenge dzoti:
Idi Mwari wakanaka.

Neshiriwo dzinorira
Nemvura yomunhuruka,
Nomwando wofefetera,
Zvoti: Mwari wakanaka.

Ndinozvinzwawo nemhepo,
Pamwe nomo mumakomo,
Nechadenga chotaura,
zvoti: Mwari wakanaka.

Zvose zvisikwa zvodaro;
Takasikwa naNyadenga;
Nomunhuwo arumbidze,
Ati: Mwari wakanaka,

Nezvi zvipo zvenyu Ishe,
Zvikuru kudya kwedenga
Kwengoni neshoko zvoti,
Titi: Mwari wakanaka.

 

Exit mobile version