Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 302 Uyai vanhu tiimbe Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 302 Uyai vanhu tiimbe Lyrics

 

Uyai, vanhu, tiimbe
Rwiyo rwapamasutso;
Zviyo zvose zvachekwa,
Takakohwa muminda;
Jehovha wakatipa
Zvose zvatinoshaya;
Uyai kumba yake,
Ngatimukurumbidze.

Tiri munda waMwari,
Anotsvaka kwatiri
Zviyo zvakanakisa
Zvibve mumwoyo yedu;
Mapumhuri nehura,
Shure kwezvo zvoibva,
Ishe tinoda kuva
Zviyo zvakanakisa.

Nokuti Mwari wedu
Achauya kucheka,
Achapisa nomoto
Sawi rose romunda;
Achatuma kumunda
Nhume dzake dzedenga
Kuzoisa zvokudya
Mudura rake guru.

Nazvino uyai She
Kohwai zviyo zvenyu;
Kukurai vatendi,
Vabvisei muzvivi;
Muvatsvenise chose
Vave mudura renyu;
Uyai nengirozi,
Uyai, Ishe Jesu.

 

Exit mobile version