Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 301 Tinoirima minda Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 301 Tinoirima minda Lyrics

 

Tinoirima minda.
Tinodyara mbeu,
Asi dzose dzinokudzwa
Nesimba raMwari;
Anozvituma zvose
Zvokukudza mbeu,
Mhepo pamwe nezuva,
Mvura yakanaka.

**CHORUS**
Zvose zvatinazvo
Zvobva kuna Mwari;
Ngativonge Ishe wedu
Tivongere rudo.

Ndiye Musiki bedzi
Wazvo zvose zvinhu,
Anoshongedza nyika
Namaruva ose.
Mhepo yamuterera,
Anodyisa shiri,
Zvikuru nokwatiri
Anotipa kudya.

Tinovongera zvose
Zvinotinakira,
Kudyara nokukohwa,
Noupenyu hwedu.
Torai zvatinopa
Tichivonga kwazvo;
Gam’chirai nengoni
Mwoyo yedu tose.

 

Exit mobile version