Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 299 Mvura yazonaya Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 299 Mvura yazonaya Lyrics

 

Mvura yazonaya, chipo chenyu baba,
Musiki wazvose kudenga napasi;
Panguva yapera takamhura isu;
Mvura yanonoka, Mwari wakanganwa

Torima nesimba rinobva kwamuri,
Tirere kuhope zvodiridzwa nemi,
Tose tinorerwa mweya nomuviri,
Narwo rudo rwenyu rusingasarudze.

Munotipa chando pamwaka wegore,
Kotevera zuva, koita makore;
Todyara mbeu dzamakatipa zvino.
Murongi mukuru, Musiki wazvose.

Makasika zvose, nyenyedzi kudenga,
Nzizi, namakomo, masvosve neshiri;
Tipei kutenda, tipire kwamuri
Zvose zvapanyika, miviri nemweya.

Jesu wozokohwa nemhuri yedenga,
Ngative mukati medura raMwari,
Tiri vanorerwa murudo rwaJesu,
Vadyi venhaka pamwe naye kudenga.

 

Exit mobile version