Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 296 Mumwe musi ava mauro Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 296 Mumwe musi ava mauro Lyrics

 

Mumwe musi ava mauro,
Varwere vakaungana,
Panyasi paJesu Ishe,
Vakaenda norufaro.

Nanhasi isu tauya,
Tosedera nezvirwere;
Mumhu wenyu hatione,
Toziva kuti muripo.

Tandai madzudzo edu;
Vamwe vanorwara kwazvo;
Vamwe havanyatsokudai;
Vamwe vakarasa rudo.

Vamwe vakaneta pano,
Vakashaya ruyamuro;
Vamwe vane hama dzavo
Dzinovatambudza kwazvo.

Vose vanoda zororo,
Vanoda ruregerero;
Vanoda kukushandirai
Tonzwa kuipa mumwoyo.

Kristu imi muri Munhu,
Makamboedzwa zvikuru;
Meso enyu anoona
Zvatinotsvaka kuvanza.

Simba renyu richigere;
Hamuna zvinokundika.
Tinzweiwo maurano
Tirapwe netsitsi dzenyu.

 

Exit mobile version