Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 292 Muka mweya wangu famba Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 292 Muka mweya wangu famba Lyrics

 

Muka mweya wangu, famba
Enda kundoita basa;
Rasa nungo dzako, muka
Inguva yokuteura.

2. Upfidze kukanganisa
Nhasi uno uchenjere,
Ushandise matarenda
Sezva uchiri mupenyu.

Taura mazwi echokwadi
Uve nomwoyo mutsvene;
Mwari anoona zvose
Pfungwa nezviito zvako.

Muka mwoyo wangu, fara,
Imba pamwe nengirozi,
Dzinoramba dzichiimba
Dzichikurumbidza Mwari.

Rukurumbidzo ngaruve
Kwamuri Ishe wedenga,
Mandichengeta usiku
Mandipamhidzira simba.

Ndauyazve kuzopika
Tive nechitenderano;
Chengai pfungwa dzangu dzose
Ndizadzwe nomweya wenyu.

Nditungamirei nhasi
Pabasa randinoita,
Muzvifungo namashoko
Ndikukudzei nazvose.

Mwari mupi wezvitsvene
Ngaarumbidzwe nazvose;
Rumbidzai vokudenga
Baba, Mwana, naye Mweya.

Tarisazve nziyo idzi: 85

 

Exit mobile version