Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 289 Mangwanani zvinhu zvose Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 289 Mangwanani zvinhu zvose Lyrics

 

Mangwanani zvinhu zvose
Zvinovonga imi Ishe;
Imi muno ‘penyu hwose,
Nesu takachengwa nemi.

Hero zuva rinobuda
Richifamba nzira yaro;
Naro rinotizivisa
Kuti muri Ishe waro.

Nokusvika kwoyo musi
Kwava nokuyedza kwawo;
Hoyu! Nawo unoreva,
Hunzi, muri Muiti wawo.

Namatenga akakomba,
Amire neminamato,
Naiwo anodzidzisa
Achiti, Muri muchengi.

Zvose zvinhu zvatarira,
Imi kose kudya kwazvo;
Zvinenge zvinokumbira
Kwamuri, Musiki wazvo.

Tinogoti baba wedu,
Imi tinokuvongai,
Imi M’sununguri wedu,
Nemiwo Mweya Mutsvene.

 

Exit mobile version