Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 286 Mati imi baba wedu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 286 Mati imi baba wedu Lyrics

 

Mati imi baba wedu
Pakusika kwenyu vanhu,
Makavasika vaviri,
Murume nomunhukadzi.

Makariburitsa izwi;
Munhu ngaasiye baba
Agare nom’kadzi wake,
Vave nyama imwe chete.

Naivava vatsva vedu
Murume nomusikana
Vauya kusvitswa pano
Seyo tsika ye’zwi renyu.

Vaitei vave mumwe
Nokubvuma nokuita;
Vati pakugara kwavo
Vayamurane norudo.

Vasimbaradzei baba
Vaibate nzira yenyu
Pamakore avo ose
Vachengetwe nemi baba

 

Exit mobile version