Shona Methodist Hymns
Hymn 280 Ndokutendai baba Lyrics
Ndokutendai baba
Nesimba randinaro,
Nokuti ndinogona
Kufamba nokumhanya.
Ndokutendai baba
Navashamwari vangu,
Nokuti tinotamba
Tifare pamwe chete.
Ndokutendai baba
Nebasa randinaro,
Kudzidza nokuimba
Nokubatsira vamwe.