Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 269 Jesu wakambova mwana Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 269 Jesu wakambova mwana Lyrics

 

Jesu wakambova mwana
Kufanana nesu,
waichibatsira baba
Naamai vake.

Jesu wakambova mwana
Wakadzidziswawo,
Wakadzidza kuverenga
Nokunyora sesu.

Jesu wakambova mwana
Waida kutamba,
Waitamba nokufara
Neshamwari dzake.

Ngatigare zvakanaka
Kufanana naye,
Timufadze pakutamba
Napabasa redu.

 

Exit mobile version