Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 268 Uyai imi vana uyai unganai Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 268 Uyai imi vana uyai unganai Lyrics

 

Uyai imi vana, uyai unganai
Kumusha webetrehema mose uyai
Manenji aitwa panyika, onai!
Ndibaba wedenga waita kudai!

Watuma Mwana’ke, waberekwa ‘po;
Uyai timuone maaiswa ‘mo;
Avete mudanga; wanakawo sei,
Uyai vana mose, mugwadamirei!

Maria naJosefa ndivo varipo,
Vafudzi naivo vatosvikawo;
Vakanzwa vatumwa voimba: Farai!
Chinzwai nemi mose, vachikuudzai!

Vatumwa vakati: Musatye onai,
Mufaro mukuru ndowatokupai;
Onai, maponerwa mumusha uko,
Wamakamboshuva wazosvika ‘po.

Wauya, togoraramiswa naye;
Isu, tarasika, tigodzoswazve;
NdiMwana wababa avete apo;
Hendei betrehema tinamate’ko.

 

Exit mobile version