Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 26 Ndinokurumbidza Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 26 Ndinokurumbidza Lyrics

 

Ndinokurumbidza
Kristu wamasimba
Ngatimurumbidze tose;
Iye Ishe woga,
Wakasika zvose
Nokushovedzera kwake.

Wakava muranda
Kutitakurira
Dambudziko redu rose;
Wakaparadzira
Ropa rake dzvene,
Kusunungura vasungwa.

Zvino wakamuka
Mukundi wehondo
Wakasunga zvakaipa;
Wakavaparadza
Vavengi vabvuma
Kuti ndiye Ishe woga.

Ari kutitonga
Netsitsi norudo,
Nenjere nokururama;
Vatizira kwa’ri
Vanozoponiswa
Vanozowana upenyu.

Tinokuomberai
Ishe worufaro,
Umambo hwenyu hukuru;
Kunaka nengoni
Zvichawanda kwazvo
Nyika yose ive tsvene.

 

Exit mobile version