Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 257 Ishe makamboburuka Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 257 Ishe makamboburuka Lyrics

 

Ishe makamboburuka,
Muchigombosiya denga,
Pamwe noushe hwenyu;
Ndimi Ishe makaiteri.

Ishe, makavinga munhu
Kuti muzomununura
Nokumupa Mweya wenyu;
Ndimi Ishe makaiteri.

Ishe makavinga nyika,
Kuti mugoinunura
Nokupira ropa renyu;
Ndimi Ishe makaiteri.

Ishe tungamirai nyika
Kuti inange kwamuri,
Ichiita kuda kwenyu;
Ndimi Ishe mungaiteri,

Ishe, dzimai kubayana,
Kusina chakunotipa,
Kunopunza misha yedu;
Ndimi Ishe mungaiteri.

Mirai nesu Changamire,
Tisamire tiri toga,
Munoziva shumba yedu;
Ndimi Ishe mungaiteri.

 

Exit mobile version