Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 244 Tivhenekerei Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 244 Tivhenekerei Lyrics

 

Tivhenekerei
Chiedza chavanhu;
Nezwi rakanyorwa
Tiratidzwe imi-

Kuti vana venyu
Vadzidze nenyasha,
Nokunanganidza
Muuso hwaMwari.

Tumai kwatiri
Mweya woupenyu,
Kuti titunhidze
Zita renyu chete;

Zarurai nzeve,
Pfungwa dzitsigiswe,
Kuti vana vanzwe
Zvinhu zvakaitwa.

Tireverei, She,
Titaure zvenyu;
Nezve shoko renyu
Tigodzidzisawo;

Hwayana dzizive
Izwi roMufudzi,
Dzigomutevera
Dzifare murudo.

Garai matiri
Tikutodzei She
Mudiwe, mukudzwe,
Mushandirwe nesu-

Kuti nzira dzedu
Dzidzidzise vana
Kutevera imi
Nayo mwoyo yose.

 

Exit mobile version