Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 236 Baba! mune simba rose Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 236 Baba! mune simba rose Lyrics

 

Makati vana vaduku
Ngavauyiswe kwamuri,
Umambo huri kudenga
Hwakamisirwa vaduku.

Tinouya navo Tenzi
Ndivava vatakabata,
Vagamuchirei nhasi,
Vave venyu nguva dzose.

Mweya wenyu uye Tenzi
Ngaugarewo mavari,
Kuti kuipa kwenyika
Kusazovanyonganisa.

Itaiwo kuti tose
Mufambiro wedu wose
Usazovarasikisa
Tisavadzosere shure.

 

Exit mobile version