Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 232 Nguva yakanakisisa Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 232 Nguva yakanakisisa Lyrics

 

Nguva yakanakisisa
Yokukurumbidza,
Kana tadzoredzaniswa
Pam’soro kudenga;
Ndizvozvo tichanzwa mazwi
Echisimbisiso,
Chokuti kana tikafa
Pane ino nyika,

**CHORUS**
Tinosangana kudenga
Neropa raJesu,
Nokutenda kuna Jesu
Tichasanganiswa.

Kunakisa korugare
Rwakasunga mwoyo;
Isu kana taungana
Muzita raKristu,
Mwanakomana wababa,
Wakakomborerwa!
Ndiye chivimbo chokuti
Tichasanganiswa.

Nyangwe, tsoka dzakaneta
Dzichayambukira
Zambuko rinendarama
Nokukurumidza;
Apo patakagarirwa
Navo vanotida
Vanokuridzira isu
Kuti tiyambuke.

Nyangwe takatsaukaniswa
Navo vatinoda
Tichazosangana navo
Patsoka dzaIshe;
Tigogara naye Jesu
Pane iyo nzvimbo
Tisingatsaukaniswe
Pahukama humwe.

 

Exit mobile version