Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 229 Tiri vawadzani Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 229 Tiri vawadzani Lyrics

 

Tiri vawadzani, tiri vawadzani,
Mhuri yaJesu Mambo wedu!
Dai tichidana, dai tichidana,
Hakuna usvinu kudenga.

Tinoyamurana, tinoyamurana,
Vatendi vaIshe mukuru;
Tisatsaukane, tisatsaukane,
Hakuna kudaro kudenga.

Tiri hondo imwe, tiri hondo imwe,
Mbirimi dzaMambo mukuru;
Ngatimurwirei nomwoyo mumwewo,
Panzira inoenda kudenga.

Ikoko kudenga pakufara kwedu
Tozovonga Mambo mukuru;
Naiwo masimba anobva kuna She,
Tinosvika nawo kwaari.

 

Exit mobile version