Shona Methodist Hymns
Hymn 228 Tichiri vapenyu Lyrics
Tichiri vapenyu,
Tichionanazve;
Ngaakurumbidzwe Jesu
Nadzo ngoni dzake.
Takachengeterwa
Ruponiso pano;
Ngatikurumbidze Jesu
Tiri mberi kwake.
Takaona nyatwa,
Pamwe namadzudzo;
Takarwisana nokutya,
Chingotasangana.
Jesu muna zvose
Wakatiburitsa;
Nesimba rorudo rwake
Wotivhumbamira.
Ngatidade naye
Naro simba rake,
Simba rotiponisisa,
Tisazotadzazve.
Zvino ngatitore
Muchinjikwa wake,
Tirase zvose zvenyika,
Timuwane Jesu.