Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 227 Onai vadzidzi venyu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 227 Onai vadzidzi venyu Lyrics

 

Onai vadzidzi venyu
Jesu taungana
Muzita renyu, M’ponisi,
Takataririra.

Tokugarirai Ishe
Takasanganiswa;
Tinovimba nezwi renyu
Tichakuwanai.

Muri pano pamwe nesu,
Chizviratidzai,
Mwana, waMwari mupenyu,
Tigokuzivai.

Watinoda timuwane,
Jesu wakambofa;
Tione maronda enyu,
Imi M’firi wedu.

Itai kuti titende,
Muchiti kunesu;
‘Musave vasingatende’,
Chivimbai neni.

 

Exit mobile version