Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 22 Tarirai mudzione Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 22 Tarirai mudzione Lyrics

 

Tarirai mudzione
Tsitsi dzake dzakanyanya
Dzakarehwa noM’ponisi
Wakafira isu vanhu.

Takanga tiri murima
Tisina chatiedzera;
Taifamba tichitadza
Tisingazive nduramo.

Imi Mwari matitusa
Tsitsi dzenyu dzakakomba
Makatipa Mwana wenyu
Wakazotivhenekera.

Tokuvongai She Jesu
Isu vanhu vakaipa,
Makatora kuipa kwedu,
Makakutakura moga.

Imi Mweya woutsvene
Uyai muve nesu tose,
Tiyamurei tidzione
Idzo tsitsi dzakakomba.

 

Exit mobile version