Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 218 Mwari baba wedu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 218 Mwari baba wedu Lyrics

 

Mwari baba wedu,
Anotichengeta
Muyamure vose
Vari pakushaya.

Navari munhamu
Nomukuremerwa,
Muvaropafadze
Vose vanyaradzwe.

Baba, tarisai
Vose vanofamba;
Onisai ngoni
Kuna vakasungwa.

Muchengete avo
Vose vanorwara,
Nadzo chirikadzi,
Murere nherera.

Ivo vakaraswa,
Navakamanikwa,
Batai nengoni
Ava vanhu vose.

Tipeiwo ngoni
Tive tinoshanda
Pamwe chete nemi
Kuna vanoshaya

 

Exit mobile version