Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 204 Jerusarem musha wangu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 204 Jerusarem musha wangu Lyrics

 

Jerusarem, musha wangu!
Musha wakanaka!
Kana ndapedza mabasa
Ndinenda kwauri.

Ndichauona riniko,
Uyo musha wangu?
Une dzimba dzakanaka,
Nokudya kutsvene.

Hapasisina kuipa,
Hapana nenhamu,
Ndinoramba ndichienda
Kumusha mutsvene

Ndingatye here kurwadza?
Ndingatize kufa?
Kwete, ndinoenda Kanana,
Nyika yandinoda.

Vaprofita, vapostori,
Vakafira Jesu
Varipo pamwe naKristu;
Neni ndichaenda.

Jerusarem musha wangu,
Wandinotsvakisa!
Kana ndasvika kwauri,
Ndichafara kwazvo.

 

Exit mobile version