Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 203 Nzvimbo yakanaka! Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 203 Nzvimbo yakanaka! Lyrics

 

Nzvimbo yakanaka!
Musha waJehovha,
Denga ramatenga,
Denga routsvene!
Iyo nzvimbo yakanaka
Ndoenda rini kwairi?

Som’fambi panyika
Anopanga musha,
Neniwo ndinoda
Zororo kudenga.
Iyo nzvimbo yakanaka
Ndoenda rini kwairi?

Pano patigere
Matumba enyika,
Musha wechokwadi
Tinawo kudenga.
Iyo nzvimbo yakanaka
Ndoenda rini kwairi?

Hakuna misodzi
Kumsoro kudenga,
Kuchema, nokufa
Nokutambudzika.
Iyo nzvimbo yakanaka
Ndoenda rini kwairi?

Zviedzo, zvitadzo
Zvichange zvapera
Ndichazororako
NaSahwira, Jesu.
Iyo nzvimbo yakanaka
Ndoenda rini kwairi?

 

Exit mobile version