Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 202 Wouya wouya Mucheki mukuru Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 202 Wouya wouya Mucheki mukuru Lyrics

 

Wouya, wouya, Mucheki mukuru,
Vanhu vachaona Ishe wokudenga;
Vanogozomutswa vari kumakuva,
Kuti vaonekwe vose pakachena.

Mucheki ndiJesu wakatambudzika,
Kuti vaponiswe norudo rwababa,
Avo vakamuda havachatongiswa
Nokuti vamire naIshe wedenga.

Asi vasingadi kunzwa dama rake,
Rokuti vadzoke pane chakaipa,
Vakatozvikona pamberi poM’cheki
Vakatozvipinza pakutambudzika.

Ngatidzoke tose pakuipa kwedu,
Tinzwe izwi rake, tinamate tose,
Ishe ari pano anotsvaka iwe,
Inguva nazvino, uya ugam’chire.

 

Exit mobile version