Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 196 Mwoyo yenyu ngairege Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 196 Mwoyo yenyu ngairege Lyrics

 

Mwoyo yenyu ngairege
Kuchemera vafi,
Vose vanotenda Jesu
Vaponiswa naye.

**CHORUS**
Ndiye M’ponisi,
Ndiye upenyu
Norumuko rwedu.

Mwoyo yenyu ngairege
Kuva nourombo;
Munotenda kuna Mwari,
Tendaiwo kuneni.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Jesu wakamuka zvake
Nesu tinomuka.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Jesu anodisa vana
Anovachengeta.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Vana vose ndava Mwari
Vanozoda Jesu.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Mwari anotipa vana,
Ndiye anotora.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Muchaenda kuna iye
Kuti muchitenda.

Zvino tinocherechedza
Uyu mwana wedu,
Iye anotungamira
Kuna baba wedu.

 

Exit mobile version