Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 195 Kwasara makore Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 195 Kwasara makore Lyrics

 

Kwasara makore,
Nenguva shomana
Tinoenda kuva navo
Vari kuzorora.

**CHORUS**
Mweya wangu Ishe,
Ngaururamiswe;
Ndigoshambidzwa muropa,
Ndibviswe kuipa.

Kwasara mazuva
Atinawo isu;
Shure kwezvo tichaenda
Kuno Mutongisi.

Kwasara nenhamu,
Dzatinogoona;
Tin’enda pasina nhamu,
Nyika yakanaka.

Kwasara misodzi,
Nezvo zvinorema;
Tichaonana nababa,
Pasina kuchema.

Kwasara masvondo,
Mazuva matsvene;
Tichamunamata Mwari
Kune denga rake.

Kwasara chinguva,
Achauya Jesu,
Wakambotifira kuti
Tive noumambo.

 

Exit mobile version