Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 180 Vakaropafadzwa Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 180 Vakaropafadzwa Lyrics

 

Vakaropafadzwa
Varombo pamweya;
Nokuti Ushe hwaMwari
Ndohwavo kudenga.

Vakaropafadzwa
Vanochema pano;
Vachanyaradzwa naIShe
Vachafara kwazvo.

Vakaropafadzwa
Vasingazvikudze;
Vachagara nhaka huru
Yokunyika yose.

Vakaropafadzwa
Vose vane nzara;
Vanotsvaka kururama
Vanozogutiswa.

Vakaropafadzwa
Vose vane ngoni;
Kana vachitongwa ivo
Vachanzwirwa tsitsi.

Vakaropafadzwa
Vane mwoyochena;
Vanotsvaka Mwari
Vachazomuona.

Vakaropafadzwa
Vanoyananisa;
Voita basa raMwari
Ndivo vana vake

Vakaropafadzwa
Vanotambudzwawo;
Nokuti Ushe hwaMwari
Ndohwavo kudenga.

Tarisazve nziyo idzi: 82

 

Exit mobile version