Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 176 Jesu Mambo worugare Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 176 Jesu Mambo worugare Lyrics

 

Jesu Mambo worugare
Ngatibvumirane nemi;
Revai shoko mupedze
Nharo nako kupesana.

Zvose zvinokanganisa,
Nezvo zvinowanzonetsa,
Ngazviraswe kure zvose
Zvigokundwa nokudana.

Uchenye, nokutsutsumwa,
Nezvinotsamwisa zvose,
Zvigobviswa, zvipedziswe
Nokuregerera kwenyu.

Itai kuti tidane,
Takapfava, tine tsitsi,
Pakufunga, napamazwi,
Tive semi, Ishe wedu.

Titakudzane mitoro,
Tinzwirane, tiyam’rane,
Tiratidze vose vanhu
Mugariro waMaKristu.

Tichenjerere kudada,
Ngatifambe norukudzo;
Nomu udzame hworudo,
Nourefu hwoutsvene.

 

Exit mobile version