Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 169 Famba mangwanangwana Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 169 Famba mangwanangwana Lyrics

 

Famba mangwanangwana
Famba masikati,
Famba zuva rovira,
Famba pausiku;
Famba nomwoyo m’tsvene
Urege kutyiswa
Upfugame namabvi
Teura ruvande.

Kumbirira shamwari
Vose vaunoda
Kumbirira vavengi,
Rega kuvasiya;
Shure kwezvo kumbira
Chowotsvaga woga;
Muzita rake Jesu
Mununuri wako.

Kana washaya nzvimbo
Yokuteurira
Kana varipo vamwe,
Zvimwe unebasa;
Simudza mwoyo wako,
Mwari anokunzwa;
Kufunga kwedu kose
Kunozibwa naye.

Kana wawona nhamo
Teura kwaari;
Nomurufaro rwako
Funga ngoni dzake;
Simba raakatipa
Rinokunda zvose,
Simba rokuteura
Kuna Mwari wedu.

 

Exit mobile version