Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 165 Nyange ndiri murombo Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 165 Nyange ndiri murombo Lyrics

 

Nyange ndiri murombo
Mwari anondichenga
Anondipa zvokudya
Anondifukidzawo.

Kana ndichiteura
Anonzwa nguva dzose;
Kana ndichikotsira
Haasiyane neni.

Mubati wokudenga
Wakazviita rombe
Nenzira yangu ini
Kuti andikuputse.

Kana ndiri mubasa
Anondikomborera;
Kuzoti ndabva pano
Ndichazorora naye.

Zvino ndinomukudza
Nokutenda kwaari;
Uko kufara kwangu
Ndachengetwa naMwari.

 

Exit mobile version