Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 161 Baba! mune simba rose Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 161 Baba! mune simba rose Lyrics

 

Baba! mune simba rose
Muchengi wavose,
Kana ndikabva kwamuri
Ndingahwanda kupi?

Baba! Musiki wazvose
Hapana mumwezve,
Mutongi wezvinhu zvose,
Mukundi wemhandu.

Baba munovada vose
Vanovimba nemi;
Mufudzi wezvirokwazvo
Munovazorodza.

Baba mune simba rose
Muchengi wavose
Ndouya zvino kwamuri
Mwari wezvokwadi.

 

Exit mobile version