Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 156 Mwari runondishamisa Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 156 Mwari runondishamisa Lyrics

 

Mwari runondishamisa.
Rudo rwenyu kwandiri,
Kutambura ndatambura,
Asi imi muneni.

Pakurwara ndakarara.
Ndovimba nemi Jesu;
Ndigadzirirei nzira
Yokuuya kwamuri.

Hamunete kubatsira
Varwere vatambura
Nokurwara kwamakore
Nezvirwere zvizhinji.

Itaiwo kuti hama
Neshamwari dzitende;
Varege kuora mwoyo
Nokuti ndiri ndonda.

Musi womondidaidza
Ndingafara zvikuru,
Nokuti ndinozogara
Pachigare chitsvene.

Kunyange rima rouya
Romumvuri wokufa
Imi Jesu, Mununuri
Munondiperekedza.

Kumusha wenyu kudenga
Kunogara vatsvene,
Vadyi venhaka yedenga
Nokusingazopera.

 

Exit mobile version