Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 154 Irwa kurwa kwakanaka Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 154 Irwa kurwa kwakanaka Lyrics

 

Irwa kurwa kwakanaka,
Kristu ndiye simba rako;
Ita zvose zvakanaka,
Uchafara nguva dzose.

Famba nengoni dzaMwari,
Tarisa uchamuona;
Nzira yako iri mberi,
Kristu ndiye nzira yako.

Parwendo rwako usatye,
Ngoni dzake dzakanyanya;
Kana uchivimba naye
Anozokutungamira.

Rega kutya, ari pedyo,
Iye asingapinduke;
Tenda chete, uchaona
Kristu ndiye muyamuri.

 

Exit mobile version